Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuvhenekwa Chirwere cheGomara repaZamu


Zimbabwe iri kubatana nedzmiwe nyika pasi rino mukucherechedza chirwere chegomarara repazamu sezvinoitwa mumwedzi waGumiguru gore roga roga.

Munyika muri kuitwa zvirongwa zvakasiyana siyana zvokuzivisa veruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Netsai Dzinoreva, vanoshandisa mukana uyu kucheuka shure muhupenyu hwavo, pamwe nekutarisa remangwana avo.

Muzvare Dzinoreva vakabviswa zamu gore rakapfuura mushure mekunge vabatwa nechirwere ichi kwenguva yakareba vasingazive kuti vanacho.

Muzvare Dzinoreva vanoti zvakakosha kuti munhu wese, kusanganisirawo munhurume, apote achiongororwa chirwere ichi nguva nenguva.

Vanoti munhu wese anofanirwa kuziva zvinhu zvinoratidza kuti ava nechirwere chegomarara.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reCancer Association of Zimbabwe, Muzvare Priscilla Mangwiro, vanoti munhukadzi wese anofanirwa kugara akaona shanduko inoitika pazamu rake kana achinge abata chirwere chegomarara.

Muzvare Mangwiro vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinogona kuitika pazamu zvinoita kuti munhu azive kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pazamu rake.

Vaenderera mberi vachiti chirwere chegomarara chaizivikanwa sechirwere chaingobata vanhu vachena, kana kuti vaye vane mari nokuti chirwere ichi chinodhura zvikuru kuti chirapike. Muzvare Dzinoreva vanoti vakawanda vanoshaya, vanofa nechirwere ichi sezvo vanenge vasina mari yekuti varapwe.

Muzvare Dzinoreva vanoti kune vanhu vanofunga kuti gomarara repamazamu harifanirwe kupiswa nenzira yeChemotherapy kana kuti Radiotherapy. Vanoti kupiswa kwavakaitwa kwakavabatsira zvikuru.

Vatiwo zvakakosha kuti kana munhu aziva kuti ane gomarara, akurumidze kunoona vana chiremba vane hunyanzvi mukuongororwa kwegomarara.

Muzvare Dzinoreva vanoti munhu anenge abatwa nechirwere ichi haafanirwe kudya zvikafu zvine shuga nokuti zvinoita kuti chipararire zvakanyanyisa mumuviri memunhu.

Vanoti vanhu vazhinji havasati vava neruzivo rwakanyanya nezvegomarara repazamu.

Sangano reCancer Association of Zimbabwe riri kukurudzira vakadzi nevarume kuti vashandise mukana wemwedzi waGumiguru kuti vaongororwe chirwere chegomarara, pamwe nekudzidziswa nezvechirwere pasina muripo apo Zimbabwe iri kubatana nenyika dzepasi rose kucherechedza mwedzi weWorld Breast Cancer Month.

Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vari kubatwa nezvirwere zvakasiyana siyana zvegomarara pagore rega rega muZimbabwe, asi vazhinji vacho vanozoona vana chiremba chirwere ichi chakomba.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri - Kukosha kweKuongororwa Gomarara repaZamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:13:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG