Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kubayiwa Nhomba Apo Chirwere cheCovid-19 Chodzoka Zvine Mutsingo kuSouth Africa


Bazi rezvehutano rinoti neMugovera hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera huchiri pachiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi masere nevaviri 1, 582.

Vanhu gumi nevapfumbamwe vakabatwawo nechirwere ichi izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mashanu nemana, 38, 554.

Vamwe vanhu gumi vakaporawo zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nematanhatu nemazana matatu negumi nevasere kana kuti 36, 318.

Vanhu vachiri kurwara munyika vave mazana matanhatu nemakumi mashanu nevana kana kuti 654.

Bazi rezvehutano rakazivisawo kuti vanhu vabayiwa nhomba munyika yose vainge vava zviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nepfumbamwe zvine mazana manomwe nemakumi matanhatu nevapfumbamwe kana kuti kuti 579, 769

Pavanhu ava, vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano vave zviuru mazana maviri negumi nevatatu nemazana mashanu nemakumi mana nevaviri kana kuti 213, 542.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni gumi senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Mukuru wezvekudzivirirwa kwedenda iri munyika Doctor Agnes Mahomva vakaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kuenda kunobayiwa nhomba nekuti kusvika parizvino hapana vabayiwa vambosangana nematambudziko.

Zimbabwe iri kubaya nhomba yeSinopharm neSinovac kubva kuChina uye Covaxin kubva kuIndia.

Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka kuSouth Africa uko bazi rezvehutano riri kuti huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi hwawedzera nezvikamu makumi mana nematanhatu kubva muzana kana kuti 46% mumazuva mashoma adarika.

MuSouth Africa mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinopota zvichipinda nekubuda munyika.

Dr Enoch Mayida vaimbotungamira chipatara cheChitungwiza vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba vakawanda kuti ikwanise kushanda zvakanaka.

Hurukuro naDr Enock Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG