Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vofira Mumugodhi paNugget Mine kuMatobo


Basa riri kuenderera mberi kuedza kubudisa vanhu vanofungidzirwa kuti vakadhirikirwa nemugodhi uri pedyo neNugget Mine kuMatobo District pedyo neguta reBulawayo.

Pasvika Studio 7 panzvimbo iyi nguva dzemangwanani hama neshamwari pamwe nevakuru vakuru vemapazi akasiyana siyana ehurumende vange vakaungana panzvimbo iyi vachiisa musoro pamwe chete kuti votora gwara ripi.

Patabva panzvimbo iyi panguva dzemasikati vamwe vanorarama nekuchera goridhe zvisiri pamutemo, vachitungamirwa nemasoja, mapurisa pamwe nevamwe vashandi vemapazi akasiyana siyana ehurumende, vange vapinda mumugodhi uyu vachiedza kuona kuti kuchine vamwe vanhu varimo here.

Mukuru webazi rezvezvicherwa mudunhu reMatabeleland South, VaTichaona Makuza vati pari zvino pane mitumbi mishanu yakaburitswa uye pane vanhu vana vakakuvara asi vakakwanisa kubuda nezuro mangwanani mushure mekunge mugodhi uyu wadhirikira nemusi weSvondo.

Vamwe vapinda mumugodhi uyu vasina kuda kutaura pamhepo vaudza Studio 7 kuti vaona mitumbi yevanhu asi havana kukwanisa kuwona kuti mingani.

Mumwe mudzimai Amai Maria Ncube vachema zvinonzwisa tsitsi mushure mekunge vaona bhachi ravati nderemurume wavo pakati pembatya dzakasiyanas-siyana dzange dzichibudiswa kubva mumugodzhi uyu. Murume waAmai Ncube anofungidzirwa kuti ari pakati pemitumbi misere isati yabudiswa kubva mumugodhi uyu.

VaMeluleki Mbano avo vaishanda paNugget Mine isati yavharwa gore rapera vati semaonere avo chimwe chezvakakonzera tsaona iyi inyaya yekuti vanhu vanorarama nekuchera goridhe zvisiri pamutemo vari kuregerwa vachiita madiro aJojina izvo zvinozoita kuti vachere kusvika nzvimbo dzavanenge vachichera dzadhirikira.

Gurukota redunhu reMatabeleland South VaAbednico Ncube avo vambosvikawo panzvimbo iyi vati kunyange hazvo kuita zvezvicherwa riri basa riri kuraramisa vechidiki vakawanda mitemo yenyika inofanirwa kutevezderwa. Vakurudzira mapurisa kuti vaite basa ravo nemazvo vasunge avo vanenge vachiita zvisiri pamutemo.

Izvi zvatsigirwa naAmai Sibonginkosi Ncube vanove kanzura weWard 25 munove munzvimbo mune mugodhi uyu avo vati zvinorwadza zvikuru kurasikirwa nehupenyu nenzira yakadai.

Nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika vanhu vakawanda kunyanya vechidiki vari kurarama nekuchera goridhe zvisiri pamutemo uye nguva nenguva vamwe vavo vanofa mutsaona dzemumigodhi iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG