Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vofa neCoronavirus muAfrica Voda Kusvika paMazana Mashanu


Mashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kusangano rinoongorora nyaya dzezvirwere reAfrica Centres for Disease Control Prevention anoratidza kuti muAfrica mafa vanhu vanodarika mazana mana nemakumi mapfumbamwe nevaviri nechirwere checoronavirus kusvika parizvino.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi muAfrica vadarika zviuru gumi. Johns Hopkins University yemuAmerica iri kuongorora chirwere ichi inoti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana vabatwa nechirwere ichi pasi rose.

America iyo ine vanhu vanodarika zviuru gumi vafa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi kunyangwe vakawanda vafa pasi rose vachiri vekuItaly.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG