Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vobvunza Remangwana Remapato Madiki Pamwe neVari kuKwikwidza Vakazvimirira


Sarudzo dzegorw rino dzakaona vakawanda vachikwikwidza vakazvimirira kana kukwikwidza vari mumapato maduku

Vanhu vakawanda vari kubvunza mibvunzo yekuti mamwe mapato madiki nevanhu vakazvimirira vega vacharamba vachiita zvematongerwo enyika here kana sarudzo dzapera.

Mumwe wechidiki uye vari murwiri wekodzero dzevanhu, VaNkosilathi Moyo, vanoti zvisineyi nekuvepo kwemapato akawanda ezvematongero enyika pamwe nevari kukwikwidza vakazvimirira vega, vanoona makwikwi chaiwo ari pakati pemutungamiri wenyika nebato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa ,nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

VaMoyo vanoti kana kuchitariswa zvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira ongororo yemapoka akaita seMass Public Opinion Institute pamwe neAfrobarometer, vanoona mubatanidzwa unopikisa waVaChamisa uine mukana wakakura wekukunda musarudzo.

VaMoyo, avo vanotungamira Zimbabwe Organisation for Youth in Politics, vanoti kuvepo kwemapato akawanda pamwe nevanokwikwidza vakazvimirira vega vakawandawo, kunogona kuve mucherechedzo wekuti munyika mave nekusununguka munyaya dzekuti vanhu vaite zvematongerwo enyika vakasununguka, izvo zvainetsa panguva yehutongi hwaVaRobert Mugabe.

VaMoyo vanoti hapana chinobatika kana kubatsira veruzhinji nekuvepo kwemapato akawanda kana vanhu vakawanda vari kukwikwidza vakazvimirira vega sezvo vachiti havaone kure kwavanosvika.

Asi mutauriri webato reZimbabwe Partnership for Progress, VaInnocent Mupanganyama Netanyahu, vanoti bato ravo harina kuvepo kuti ringopinda musarudzo dzemusi weMuvhuro unouya chete asi kuti rine chinangwa chekuda kuunza shanduko yechokwadi munyika.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vanoti kuve nemapato anopikisa akawanda munyika chinhu chakanaka chinogona kuvandudza hutongi hwejekerere, asi vanoti maonero avo ndeekuti zviri kuitika munyika zvinotovhiringidza hutongi hwejekerere uhu.

Sekutaura kwevakuru, ruzhinji ruchaona kunowira tsvimbo nedohwe mushure mesarudzo kuti mapato madiki acharamba ari mune zvematongerwo enyika here kana kuti kwete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG