Accessibility links

Breaking News

Vane Musika paGlenview Home Industry Votemwa Musoro neKutsva KweZvinhu Zvavo


Glenview fire
Glenview fire

Vanoita mabasa emaoko paGlenview Home Industry vanoti vasara vari pamhene uye vasina chekubata nekuda kwemoto wakapisa zvigadzirwa zvavo nemusi weChipiri.

Pashanyirwa nzvimbo iyi neStudio 7 vazhinji vane zvinhu zvakatsva vange vachiratidza kushushukana zvikuru.

Mumwe anotengesa zvinhu ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti mai Phylis vati vasiiwa vasina chekubata sezvo vanga vachirarama nekuveza nekutengesa vari panzvimbo iyi.

VaCharles Mherekiwa vanoti varasikirwa nemari inodarika zviuru makumi maviri nemapfumbamwe uye vanoti aka hakasi kekutanga vachirasikirwa nezvinhu pasina rubatsiro rwavanowana.

Mumwe murume asina kuda kudomwa nezita rake audza Studio 7 kuti kutsva kuri kuita panzvimbo iyi kwavekuvatumawo kuti vanobvunzira kumaporofita pamwe nekudzin’anga. Murume uyu ati moto isinganzwisisiki kuti yatanga sei yawanda panzvimbo iyi.

Zvinonzi chimwe chipandiko chenzvimbo iyi chakabvira zvakare mumwedzi waMbudzi gore rapera zvinhu zvakawanda zvikaparara.

Zvabva Studio 7 panzvimbo iyi zvanga zvisati zvazivikanwa kuti chii chakakonzera moto asiwo kuchipanda chidiki chenzvimbo iyi chisina kutsva vanotengeserapo vanoti vakabirwa zvakanyanya muzhowezhowe yakaitika nezuro vanhu vachiedza kumhanya mhanya kuti vabudise midziyo yavo.

Meya weguta reHarare VaHerbert Gomba nemamwe makanzura avo vashanyira nzvimbo iyi nhasi vachida kunzwisisa kuti chii chiri kukonzera moto iyi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG