Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vanourayiwa neMauto Vakawanda Vachikuvara Mukuratidzira muHarare


Vanhu vachiratidzira muHarare

Vanhu vatatu vapfurwa vakafa muHarare apo vatsigiri veMDC Alliance vange vachiratidzira kusafara kwavo nemafambisirwo aeri kuitwa basa rekuzivisa nyika zvakabuda musarudzo dzakaitwa neMuvhuro.

Vaona zvaitika vanoti vanhu vapfurwa ava vanhuwo zvavo vabatwa nemhirizhonga yange isineyi nezvavanga vachiita.

Mashoko atiri kutambira anoti vamwe vapfurwa vakafa afa madzimai anga achizvifambirawo zvawo.

Muguta remuHarare maswera muchiridzwa pfuti nemapurisa achirwisana nevatsigiri veMDC Alliance.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vatenda kuti pane vanhu vaurayiwa muHarare mukuratidzira uku uye mitumbi yavo iri kuParirenyatwa Hospital.

Mauto anofungidzirwa kuti ndiwo auraya vanhu ava.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance zvapinda mudhorobha mangwanani mazvatanga kuratidzira zvichiti sarudzo dzemusi weMuvhuro hadzina kubatwa zvakanaka neZimbabwe Electoral Commission, Zec.

Varatidziri ava vatematema motokari dzeZanu PF nematombo pamwe nekutema mahwindo epamuzinda weZanu PF pamwe neZec.

Pasina chinguva mapurisa anga akapakatira zvombo abva atanga kuridza pfuti panze pemahofisi eZanu PF.

Panga pachiridzwa pfuti pamahofisi eZanu PF, vamwe varatidziri vaenda kwanga kuchiverengerwa mavhoti asi vazodzingwa nemapurisa avakandira hutsi hunokachidza pamwe nekuridzira pfuti mudenga.

Varatidziri ava vabva vaparira nedhorobha rose vachiimba vachiti “tinoda Chamisa”.

Chikopokopo chemasoja chazenge chave kutendererawo nepamusoro pevanhu vanga vachiratidzira uye masoja anonziwo anga ave kurova vanhu kune mimwe migwagwa iri pakati pedhorobha.

Varatidziri ava vanoti havasi kuzofa vakadzokera kudzimba dzavo kudzamara zvavanoti ndizvo zvechokwadi zvakabuda musarudzo zvaziviswa kwete zviri kuziviswa neZec.

Pataenda pamhepo, masoja pamwe nemapurisa anga akapakatira zvombo anga achimhanyisa vanga vachiratidzira ava.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG