Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vofa neCovid-19 neMusi weMuvhuro


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevatanhatu kana kuti 5, 366.

Vanhu zana nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 151 vakabatwa nechirwere ichi neChipiri zvekare zvasiya vabatwa nacho vave zviuru mazana maviri nemakumi matatu zvine mazana matanhatu nevatatu kana kuti 230 603.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri zvine makumi mapfumbamwe nemana nezana nemakumi manomwe nevana kana kuti 4 294 174 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga.

Vabayiwa kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi maviri nevatatu zvine mazana mashanu nemakumi matanhatu nevana kana kuti 3 323 564.

Vabayiwa katatu vave zviuru zvitanhatu nemakumi mapfumbamwe nemazana matatu nemakumi matanhatu nemumwe kana kuti 69 361. Bazi rezvehutano rinoti rine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kana kuti mamiriyoni gumi kuti inyatsoshande zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG