Mushure mekumbopedza mazuva matatu akatevedzana pasina afa nechirwere cheCovid-19, bazi rezvehutano rinoti neMuvhuro kwakafa vanhu vashanu nechirwere ichi. Izvi zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe kana kuti 4, 690.
Vanhu gumi nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro kusanganisirawo vana vechikoro vaviri kuMashonaland West Province. Mumazuva manomwe adarika pavanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 198 vabatwa nechirwere ichi, makumi masere kana kuti 80 vana vechikoro.
Mukuru anoona nezvekurwisa denda reCovid-19 munyika Dr Agness Mahomva vaudza Studio 7 kuti vachasimbaradza chirongwa chekubaya vana vechikoro vane makore gumi nematnhatu zvichikwira nhomba kuyedza kudzikisa kuparira kwechirwere ichi.
Facebook Forum