Accessibility links

Vanhu Vari Kufamba neAir Zimbabwe Vodzingwa Mumahotera epaGatwick

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vari kufamba nendege yeAir Zimbabwe vanoti vave kudzingwa mumahotera avakanga vaiswa nekambani iyi muLondon apo iri kutaurirana nekambani yakabata ndege yayo.

Air Zimbabwe inonzi yatadza kubhadhara mari inosvika zana nekamumi matanhatu ezviuru zvemapaunzi kumahotera aya.

Ndege yeAir Zimbabwe yerudzi rweBoeing 767 yakabatwa panhandare yendege yeGatwick, muLondon neMuvhuro svondo rapera nekambani yeAmerican General Supplies nepamusana pechikwereti chemari inoita miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Vanhu ava, avo vava nemazuva manomwe vachinetseka vari paGatwick Airport, vanoti vaedzawo kutsvaga rubatsiro kumuzinda weZimbabwe muLondon, asi hapana chabuda.

Mumwe mushandi wekumuzinda uyu asina kuda kudomwa zita rake anoti dambudziko iri harisati rave renyika, asi kuti richiri pakati pavanhu ava neAir Zimbabwe, saka havagoni kupindira. Mushandi uyu anotiwo Air Zimbabwe yavazivisa kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

Maneja weAir Zimbabwe kuEurope, VaDavid Mwenga, vanoti vakwanisa kubhadhara chikwereti cheAmerican General Supplies iyi, asi kambani iyi inonzi iri kuti inozorega chete ndege iyi kana mari iyi ichinge yava kuoneka kumabhanga avo.

Mumwe wevadzingwa muhotera, VaIgnatius Mwariwangu, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, zvekuti vazhinji vave kutoda kuti vadzoserwe mari dzavo neAir Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG