Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanopfuura Miriyoni neChidimbu Votarisirwa Kushaya Chikafu muNyika


Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Programme, WFP, rinoti huwandu hwevanhu vachada rubatsiro rwezvekudya gore rino huchakwira nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana gore rino zvichitevera kusanaya zvakanaka kwemvura.

WFP inoti vanhu vanosvika miriyoni imwe nemazana matanhatu ezviuru vachada rubatsiro rwechikafu kusvika muna kurume gore rinouya.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nehurumende yezimbabwe nesangano reWFP. Kushaikwa kwemvura yekunaya pamwe nembeu ndizvo zvakapa kuti goho regore rino ridzikire zvakanyanya. WFP inoti inoda mari inosvika zana nemakumi maviri emamiriyoni emadhora iyo ichashandiswa mukutenga chikafu munyika dzakapoteredza zimbabwe.

Sangano iri rinoti pamari yarawana, pachine jeredzwa remamiriyoni makumi masere nemanomwe emadhora. VaTomson Phiri vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muWFP muZimbabwe vanoti vane chivimbo chekuti vachawana mari iri kudiwa kubatsira vanhu.

Mukuru weChristian Care, rimwe remasangano anobatsira vanhu nechikafu munyika, Reverend Stanlus Chatikobo vanoti munzvimbo zhinji zvikuru kumaruwa zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

XS
SM
MD
LG