Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 munyika kechipiri sezviri kukurudzirwa vadarika miriyoni imwe chete kunyangwe poita mutauro panyaya yekuti vanhu vomanikidzwa kubayiwa nhomba here kana kuti kwete.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere nemakumi mashanu nechimwe zvine mazana mana nemanomwe kana kuti 1, 851 407 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga. Vamwe miriyoni imwe chete nezviuru zviviri nemazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti 1002 261 vabayiwa nhomba kechipiri sezviri kukurudzirwa.
Vanhu makumi maviri nemumwe kana kuti 21 vakafa nechirwere cheCovid-19 neMugovera zvasiya vanhu zviuru zvitatu nemazana masere nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 3, 826.
Vanhu mazana mana nemakumi mana nevasere kana kuti 445 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera wakare zvasiyawo vabatwa nacho vave zana negumi nemashanu zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe kana kuti 115, 890.
Vanhu mazana masere nemakumi mapfumbamwe kana kuti 890 vakabatwa necchirwere ichi zvasiya vapora vave zviuru makumi masere nezvinomwe zvine mazana mana nagumi nevatanhatu kana kuti 87, 416.
Facebook Forum