Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vorumiswa neMbwa kwaMarange


Vanhu vakawanda vari kuramba vachirumiswa nembwa kuminda iri kucherwa mangoda kwaMarange mudunhu reManicaland.

Vanhu vari kurumiswa nembwa ava vanosanganisira vana vadiki vanenge vachifudza mombe, pamwe nechembere dzinenge dzichizvifambirawo hadzo.

Mwana wechidiki ane makore gumi mumwe weavo vakarumiswa nembwa mushure mekunge mombe dzaaifudza dzapinda munonzi hamufaniri kupindwa neve Mbada vari kuchera mangoda kwaChiadzwa.

Gurukota rezvemighodhi, Va Obert Mpofu, varamba zviri kutaurwa negwaro re Human Rights Watch zvekuti vanhu vachiri kurohwa nekurumiswa nembwa kwaMarange.

Asi vati bazi ravo riri mushishi kuongorora zviri kutaurwa nevanhu vekwa Marange. Vatiwo vaita mumusangano nevamiriri wekwa Marange nemakambani ari kuchera mangoda vachiedza kugadzirisa nyaya iyoyo.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, Va Charles Mangongera, vanoti zvinhu zviri kuitika kwa Marange zvinoda kugadziriswa nechimbi chimbi.

XS
SM
MD
LG