Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voenderera Mberi Vachichema VaDewa Mavhinga


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Vanhu vakawanda munyika nekunze vari kubagtana kuchema mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga vakashaya nemusi weMugovera kuSouth Africa.

VaMavhinga vakashaya mushure mekurwara kwenguva pfupi nechinofungidzirwa kuti nchirwere cheCovid 19.

Kushaya kwaVaMavhinga kwasiya vanhu vakawanda munyika vaine misodzi pamatama zvikurusei vanoshaya avo vaimirira kana vatyorerwa kodzero dzavo.

Gweta vachidzidzisa paKent University Dr Alex Magaisa vakaziva mufi kwenguva yakareba vati vaive munhu akashinga.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vati nyika yarasikirwa negamba.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachitungamira sangano reZimrights VaDzikamai Bere vati nyika yarasikirwa zvikuru.

Vamwe vati varwadziwa nerufu urwu mukuru wesangano reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dewa.

Mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika weCrisis in Zimbabwe Coalition, sangano rakamboshandirwa naVaMavhinga, VaMarvelous Khumalo, vati varwadziwa zvikuru nekufa kwaVaMavhinga.

Mutevedzeri wemutariri weMDC Alliance, VaGift Ostallos Siziba, vati VaMavhinga raiva gamba kwete muZimbabwe chete asi nekuchamhembe kweAfrica panyaya dzekurwira kodzero dzevanhu nehutongi hwejekerere.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati varwadziwa nekufa kwaVaMavhinga kunyange hazvo vanga vasingawirirane mumafungiro panyaya yemabatirwo enyaya dzesarudzo dzema by-elections pamwe nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vavo vari muZanu PF.

Mutungamiri webato reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vati vanga vakatarisira zvakawanda kubva kuna VaMavhinga.

Mumwe anorwira kodzero dzevanhu, VaPride Mkono, vatsanangura VaMavhinga semunhu aibatsira zvikuru vanoita zvekurwira kodzero dzevanhu.

Mutungamiri weInternational Cross Border Traders Association VaDeniss Juru vatiwo Vamavhinga vakabatsira sangano ravo zvakanyanya.

VaMavhinga vakaita zvidzidzo zvemutemo paUniversity of Zimbabwe apo vaivewo mutungamiri wesangano revadzidzi reSudents Representative Council. Vakazoitawo zvidzidzo zvepamusoro munyaya dzekodzero dzevanhu paEssex University kuBritain.

Vasati vaenda kunoshanda nesangano reHuman Rights Watch, VaMavhinga vakamboshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vari kuJohanessburg kubva muna 2009 kusvika muna 2012. Muna 2012, VaMavhinga ndeumwe weavo vakaumba sangano rinoita zvekutsvakurudzo munyaya dzehutongo hwejekerere reZimbabwe Democracy Institute.

Mumashoko kuvatori venhau mutungamiri wesangano reHuman Rights Watch VaKenneth Roth vati VaMavhinga vakashanda zvikuru kurwira kodzero dzevanhu v mudunhu rose rekuchamhebe kweAfrica uye vaive munhu aive neruzivo rwakadzama.

VaMavhinga vasiya mudzimai, Amai Fiona Mavhinga nevana vana.Vanhu vakaungana kumba kwaVaMavhinga panhamba 484 Sandon Close kuHoughton Park muno muHarare.

Vari kutaura vakamirira mhuri yekwaMavhinga uye vari munin’ina wemufi, Doctor Edgar Munatsi, vaudza Studio 7 vari kuBritain kuti vachiri mubishi rekugadzirisa hurongwa hwekuradzikwa kwemukoma wavo vozozivisa veruzhinji kana hurongwa hwacho hwanyatsoti tsvikiti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG