Sangano reZimbabwe Vulnerability Assessment Committee, ZimVac, rinoti vanhu vemuZimbabwe vanosvika zvikamu makumi mashanu nezvipfumbamwe kubva muzana kumaruwa vatarisana nenzara kutanga muna Ndira kusvika Chikunguru gore rinouya.
Asi mumwedzi wapera vanhu vanosvika zvikamu zviviri nechimwe kubva muzana ndivo vaida chikafu kumaruwa.
Nzvimbo dzakanyanya kutarisana nenzara dzinoti Matabeleland North, Masvingo neMidlands.
Rimwe sangano rinoongorora mamiriro akaita chikafu reFewsnet rinotiwo vanhu vari mumadhorobha vakawanda vanoda rubatsiro gore rino sezvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.
Vanhuwo vakanyanya kutarisana nedambudziko rechikafu vagari vekuChipinge neChimanimani uko kwakawirwa nedambudziko redutumupengo remafashamu emvura nemhepo kana kuti Cyclone Idai.
Mumwe mugari wekuChimanimani, VaJoel Dhumakwezu, vanoti nzvimbo yavo iri kubatsirwa nechikafu nesagano reWorld Vision mushure mekunge vanoda rubatsiro vanyorwa mazita neRed Cross.
Asi vanoti vasina kunyoresa vakatarisana nenzara inotyisa.
Facebook Forum