Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vabatwa neCoronavirus Vosvika Mazana Matatu neMakumi Masere neManomwe


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika yose hwasvika pamazana matatu nemakumi masere nemanomwe kana kuti 387.

Vanhu vafa vachiri vana uye vapora vave makumi mashanu nevana kana kuti 54. Vanhu vavhenekwa kusvika parizvino vadarika zviuru zvishanu nemakumi mapfumbabwe kana kuti 59, 000.

Vanhu vakawanda vobatwa nechirwere ichi vari kubva kuSouth Africa. Vanhu vose vari kubva kune dzimwe nyika vari kumbonzi vagare vakachengetedzwa munzvimbo dzakasiyana siyana kwemazuva makumi maviri nerimwe kuti vasatapurirwa vamwe chirwere kana vainacho.

Asi vamwe vanhu vave kutiza kunzvimbo dzinochengeterwa vanhu vachiti hadzina kushambidzika.

Izvi zvapa kuti vamwe vakaita sekambani yePerch Media vari kufamba vachidzidzisa vanhu vapindewo mumaruva vachikurudzira vanhu kuti vamhan’arire vanhu vanenge vatiza ava. Mukuzeya nyaya iyi, Blessing Zulu weStudio 7 abata mukuru wePerch Media VaCollen Magobeya.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mana nemaviri kana kuti 242,000 vabatwa nechirwere checoronavirus muafrica.

Vashaya vadarika zviuru zvitanhatu nemazana maviri nemakumi mana nemana kana kuti 6,244. Vapora vanodarika zviuru zana nemapfumbamwe kana kuti 109,000

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni manomwe nezviuru zvipfumbamwe kana kuti kuti 7,9 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana nemakumi matatu nemana kana kuti 434, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni matatu nezviuru zvinomwe kana kuti 3, 7 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG