Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana Zvichitevera Kufa kweVaimbove Mutungamiri weNorth Korea


Kufa kwavaimbove mutungamiri weNorth Korea, VaKim Jong-Il kwamutsa mutauro munyika pakati peZanu-PF neMDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube, pamwe ne Zapu.

Mapato aya haasi kuwirirana pamusoro peruremekedzo rwunofanirwa kupihwa mufi.

Zanu-PF inoti VaKim Jong-Il vaiva munhu akanaka chaizvo uye nyika yavo yakabatsira Zimbabwe muzvinhu zvakawanda zvikuru zvinosanganisira kudzidzisa mauto munguva yehondo, kuvakwa kwemarinda emagamba, kana kuti Heroes Acre nezvimwe zvakadaro.

Asi ve Zapu ne MDC-N vanoti Va Kim Jong-Il vakabatsira kudzidzisa mauto e Fifth Brigade ayo anonzi akauraya vanhu vazhinji kuMidlands neMatebeleland munguva yegukurahundi.

Mutauriri we Zapu, Va Methuseli Moyo, vanoti hapana hapo chekuita nekuti Va Kim Jong-Il vashaya asi chiri kuita kuti vapembere ibasa rakaitwa ne North Korea mukudzidzisa mauto e Fifth Brigade akakonzera mhirizhonga kuMidlands neMatebeleland kuma 1980s.

Mutauriri we MDC-N, Va Nhlanla Dube, vanoti Zanu-PF inofanira kunyara nehukama hwayo ne North Korea.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve marongerwo enyika yakarerekera kuZanu PF, Va Goodson Nguni, vanoti hachisi chivanhu kufarira kufa kwemunhu sezviri kuitwa. VaNguni vanotiwo vanhu vekuNorth Korea havana kuuraya vanhu vemuZimbabwe.

XS
SM
MD
LG