Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Maviri (200) Vofa neCovid-19 Mumazuva Manomwe Adarika


Bazi rezvehutano rinoti neMugovera vanhu gumi nevanomwe kana kuti 17 vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu mazana maviri vafa mukati memazuva manome adarika.

Vanhu vafa kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave mazana matanhatu nemakumi masere nevatatu kana kuti 683.

NeMugovera vanhu mazana manomwe nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 772 vakabatwa nechirwere ichi. Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira munyika gore rapera vave zviuru makumi maviri nematanhatu ane mazana masere nemakumi masere nemumwe kana kuti 26, 881.

Vanhu vachiri kurwara parizvino vave zviuru gumi nemazana mashanu ane makumi maviri nematanhatu kana kuti 10, 526. Vanhu vapora vave zviuru gumi nezvishanu zvine mazana masere nemakumi manomwe nemaviri kana kuti 15, 872 mushure mekunge vanhu mazana mana nemakumi mashanu nevasere kana kuti 458 vapora neMugovera.

Mamwe masangano evarairidzi anoti vana vechikoro nevarairidzi vari kubatwa nechirwere ichi zvakanyanya mushure mekunge hurumende yazivisa kuti vari kunyora bvunzo vaenderere mberi uye kuvhura kotoro yapera kunyangwe vamwe varairidzi vaiti yainge isina kunyatsogadzirira. Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Assocition VaRichard Gundani vanoti varairidzi nevana vechikoro vanofanira kuvhenekwa hutachiona vasati vapinda muzvikoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ Doctor Takavafira Zhou vati muzvikoro hamuna kumira zvakanaka.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisinsa divi ratinorerekera, tabatawo mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro avo vati hurumende iri kuita zvose zvainogona kuona kuti chirwere ichi hachinyanye kupararira muzvikoro.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi manomwe nemasere ane mazana maviri nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 78, 286. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave mamiriyoni maviri nezvuru mazana matanhatu kana kuti 2,6 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu ichiteverwa neNorth Africa ine miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemana kana kuti 94 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana matatu zvine makumi mapfumbamwe nemashanu kana kuti 395, 000. Vanhu vabatwa nechirwere ichi muAmerica vadarika mamiriyoni makumi maviri nematatu ane zviuru zvinomwe kana kuti 23, 7 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri kana kuti 2 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mashanu nerimwe ane zviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 51, 9 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG