Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mamiriyoni Makumi Mana neManomwe Vakange Vatovhota muAmerica Pamberi peGakava raVaTrump naVaBiden


APTOPIX Election 2020 Debate
APTOPIX Election 2020 Debate

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nevavari kukwikwidzana navo VaJoe Biden nhasi vaita gakava raburitsa pachena kusiyana kwematanho avachatora mukutungamira nyika musarudzo dzemutungamiri wenyika dziriko musi wa3 Mbudzi.

America yasara nemazuva gumi nemaviri chete kuti iite sarudzo asi vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mana nemanomwe kana kuti 47 million vatovhota kare kuburikidza nekutumira mavhoti avo kana kuti mail in ballot.

Nekuda kwekuparira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19, matunhu akawanda ari kubvumidza vanhu kuti vavhote kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 musi wa 3 Mbudzi rinova zuva rekuvhota makore ose.

Gakava iri raitirwa paBelmont University muguta reNashville mundunhu reTennessee. Ange achikokera gakava iri mutori wenhau Kristen Welker wenhepenyuro yeNBC News uye ari mkutori wenhau wekambani iyi kuWhite House.

Trump and Biden face off in final presidential debate
Trump and Biden face off in final presidential debate

Imwe nyaya yakanetsa inyaya yekuti vanhu voramba vachigara mudzimba here muhondo yekurwisa chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matatu kana kuti 223 thousand muAmerica. VaTrump vakati VaBiden vari kuda kutovhara nyika yose.

VaTrump
VaTrump

Asi VaBiden vakati ichi handichokwadi vachiti vanegwara rekuona kuti chirwere hachirambe chichipararia.

MuAmerica mune kusagadzikana nenyaya yekunetsana kwemarudzi zvikuru vatema nevachena. VaTrump vati hurumende yavo iri kushanda zvakasimba mukusimudzira hupenyu hwevatema. VaBiden vati vatema nevamwe vanosarurwa vanofanira kusimudzirwa mumabasa avo nekubatsirwa nemari.

VaBiden
VaBiden

Dzimwe nyaya dzakakurukurwa nezvadzo dzinosanganisira dzezvehutano, mari dzinotambiriswa vanhu, kuparwa kwemhosva uye zvemamiriro ekunze kana kuti climate change.

Imwe nyaya iri kutemesa musoro ndeyekupindira musarudzo dzemuAmerica kunonzi kuri kuitwa nenyika dzakaita seChina, Iran neRussia. VaBiden vakati vakasarudzwa vacharatidza nyika idzi kuti kupindira musarudzo dzeAmerica kupinda nemwenje mudziva.

Asi VaTrump vanoti VaBiden havana chavangaite kuRussia nekuti vanodyidzana nayo vachiti vainge vari muhofisi semutevedzeri wevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama asi vakakundikana kusimudzira vatema.

Vaviri ava vakatatsuranawo nenyaya yekuti America inotambira sei vapoteri, VaBiden vakati panofanira kuve paine gwara rekuti vamwe zvikuru venyika dzeLatin America vatenderwe kugara muAmerica.

Asi VaTrump vanoti America inofanira kusimbaradza mitemo ine chekuita nevapoteri.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti kunyangwe varume vaviri ava vakataura zvakakosha pane zvavachaitira nyika, hapana anganzi akabaya dede nemukanwa zvekuti akabva awana vatsigiri vakawanda.

Vamwe vakaona gakava iri vari muMaryland muno muAmerica ndi Doctor Isaac Mwase, vanove nhengo yebhodhi reAfrican Immigrant Cuacus, avo vanoti gakava iri rakaburitsa pachena zvinotarisirwa kuitwa nevarume ava munyika nekunze kana vakasarudzwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vaDewa Mavhinga avo vakaona gakava iri vari kuBritain vanoti rakakosha nekuti rinopa vanhu mukana kuti vanyotsodzamisa pfungwa pamunhu wekuvhotera.

Gakava rekutanga pakati paVaTrump naVaBiden rakaonekwa nevanhu vanodarika mamiriyoni makumi manomwe nevatatu kana kuti 73 million uye pachiri kudorongodzwa kuti ranhasi raonekwa nevanhu vangani.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG