Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matatu neVashanu Vofa neCovid-19 neMusi weChitatu


Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi matatu nevashanu vakashaya nechirwere cheCovid-19 nemusi weChitatau zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hwave zviuru zvitatu nemazana manomwe negumi nemumwe kana kuti 3, 7011.

Vanhu chiuru chimwe chete nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 1, 091 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kusvika parizvino vave zana rezviuru negumi nevatatu nemazana mashanu nemakumi maviri nematanhatu kana kuti 113, 526.

Vanhu chiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi maviri nevana kana kuti 1, 424 vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora vave zviuru makumi masere nemaviri zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nemana kana kuti 82 994.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe nemakumi mananemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevasere vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 kekutanga.

Vabayiwa kechipiri sezviri kukurudzirwa vave zviuru makumi masere nemakumi matanhatu nematatu zvine mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 863, 667.

Hurumende inoti ine chinangwa chekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti ishande zvinotarisrwa

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG