Accessibility links

Breaking News

Vanhu Ku Chikomba Vanoti Vari Kunyimwa Mbeu Nekuti Vanotsigira MDC


Mumwe wemadzishe makuru muChikomba, Ishe Kwenda, vanonzi vakataura pamusangano kuti mbeu dzese dziri kupinda mu Chikomba hadzisi kuzopihwa vatsigiri ve MDC

Vatsigiri we MDC ku Chikomba vanoti vari kunyimwa mbeu ne fotireza muzvirongwa zvekubatsira varimi vachinzi havasi vatsigiri ve ZANU-PF.

Mumwe wemadzishe makuru muChikomba, Ishe Kwenda, vanonzi vakataura pamusangano kuti mbeu dzese dziri kupinda mu Chikomba hadzisi kuzopihwa vatsigiri ve MDC.

Vazhinji munzvimbo iyi vari kunyunyuta kuti makanzura avo avakasarudza handiwo ari kupihwa mbeu iyi kuti ape vanhu mumatunhu avo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna Ishe Kwenda. Va Peter Mupatsi ndivo sachigaro we MDC mu Chikomba district. Vanoti zvinhu zvatanga kushata munzvimbo yavo nekuda kwesarudzo dzingangoitwa gore rinouya.

XS
SM
MD
LG