Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi Vofa neCovid-19


Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weSvondo kuti vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 1,326.

Vanhu makumi matanhatu nevashanu kana kuti 65 vakabatwa nechirwere ichi munyika uye vose havana nhoroondo yekubuda munyika. Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira hwave zviuru makumi matatu nemana zvine mazana mashanu nemakumi matanhatu nemashanu kana kuti 34, 552.

Huwandu hwevanhu vapora hwasvika zviuru makumi maviri nemasere zvine mazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 28, 551. Vanhu vachiri kurwara zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevashanu kana kuti 4, 675.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease control and prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matanhatu kana kuti 3,6 million vabatwa nechirwere checovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mapfumbamwe nemashanu nemakumi manomwe nevashanu 95 and 75. Vapora muafrica vadarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muafrica.

Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni zana nematanhatu kana kuti 106 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muamerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mana zvine makumi matanhatu nematatu kana kuti 463, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemanomwe kana kuti 27 miillion.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu kana kuti 2,3 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 59 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG