Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVatanhatu Vofa neCovid-19 NeMugovera Asi Huwandu Hwevari Kufa Hwodzikira


Bazi rinoona nezvehutano rinoti vanhu gumi nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina zvine mazana maviri nemakumi matatu nevatanhatu kana kuti 4, 236.

Huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchidzikira, Mumazuva manomwe adarika vanhu zana nemakumi mana nevatanhatu vakafa nechirwere ichi munyika zvichienzaniswa nevanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevana kana kuti 264 munguva imwe chete svondo rapera.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira chipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vanoti kunayngwe huwandu hwevari kufa hwave kudzika, vanhu vanofanira kuramba vachitevedzera kurudziro dzekuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Vamwe vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 199 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zana rezviuru nemakumi maviri nevaviri zvine mazana mana nemakumi masere nemanomwe kana kuti 122, 487.

Vanhu mazana masere nemakumi masere nevavir kana kuti 882 vakapora neMugovera zvasiya vapora vave zana rezviuru nematanhatu zvine mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 106, 366.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana nemakumi mashasnu m nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nechimwe kana kuti 1, 450, 981 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kaviri sezvinokurudzirwa.

Vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi mana nechimwe kana kuti 2 301, 641. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu miriyoni gumi nhomba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG