Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neMumwe Vanofira Munjodzi yeChikepe muLake Chivero


Vanhu gumi nemumwe vakafa mutsaona yakaitika ku Lake Chivero neSvondo zvichitevera kunyura kwakaita chikepe chavakanga vakakwira.

Zvinonzi vanhu ava vakange vachipemberera zuva rekisimusi. Asi mufaro uyu unonzi wakapera pakauya mhepo yakasimba iyo yakapidigura chikepe chavo. mapurisa anoti vanhu vasere vakapona munjodzi iyi.

Mutauriri weNational Parks and Wildlife Management Authority of Zimbabwe, Amai Caroline Mashaya-Moyo, vaudza nhepenyuro yeZBC kuti chikepe ichi chakanga chiri mumvura iyi zvisiri pamutemo uye vanoti chakanga chakazarisa nevanhu.

Zvinonziwo neMugovera kune munhu mumwe chete akafa mushure mekunge chikepe chabheuka zvakare mu Lake Chivero.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi. Asi mashoko ari kubuda mumapepanhau anoti mutyairi wechikepe ichi ari mumaoko emapurisa.

Kusvika pari zvino, muZimbabwe mafa vanhu vanosvika makumi mana nevasere mutsaona yemumigwagwa.

Gore rapera vanhu vanosvika makumi mapfumbamwe nevasere vakafa munguva yezororo rekisimusi negore idzva.

Mutungamiri wesangano re Elected Councillors Association of Zimbabwe, VaWorship Dumba, vanoti sangano ravo riri kuchema pamwe chete nemhuri dzevanhu vashaya ava.

XS
SM
MD
LG