Accessibility links

Breaking News

JSC Yotsvaga Achatora Bara reMuchuchisi Mukuru


Muzvare Jessie Majome Harare West
Muzvare Jessie Majome Harare West

Judicial Services Commission, JSC, inoti ichabvunzurudza vanhu gumi nemumwe vari kuda kutora basa rakasiiwa nemuchuchisi mukuru wenyika, Va Roy Goba.

JSC inoti ichaita izvi musi wa 1 Mbudzi.

Pane vanhu gumi nemumwe chete vakasarudzwa pavanhu vakanyorera basa iri.

VaGoba vakadzingwa basa vachipomerwa mhosva yekutadza kuita basa ravo nemazvo.

Vachabvunzurudzwa vanosanganisira magweta ane mukurumbira munyika vanoti Muzvare Jessie Majome; VaTinomudaishe Chinyoka, mutungamiri we Law Society of Zimbabwe, VaMisheck Hogwe; pamwe nevakafanobata chigaro ichi, VaPatrick Hodzi nevamwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi muongorori wezvematongerwo enyika, VaRejoice ngwenya, vanoti iri ibasa rinoda munhu anoziva nekunzwisisa zvemitemo.

VaNgwenya vanoti vafarira kusanganiswa kwaitwa vanhu vari kuda basa remuchuchisi mukuru nekuti mazita evanhu vachabvunzurudzwa, neevanhu vanobva mumativi akasiyana siyana munyaya dzematongerwo enyika pamwe nemitemo.

Asi VaNgwenya vanoti munhu achasarudza munhu mumwe chete pamazita achabuda neJSC ndiye ane masimba munyaya yekusarudzwa kwemunhu anotora basa iri.

Pasi pemitemo yenyika, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vanosarudza munhu wavanoda kubva pamazita avanenge vapihwa neJSC kuti ave muchuchisi mukuru wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG