Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti nyaya yemaruva emajacaranda nemamwe iri kukonzera kuti vamwe vane zvirwere zvekusanyatsofema zvakanaka zvakaita seasthma nemaallergy vaite zvikosoro zvisingapere.
Amai Natasha Vimbai Mkaronda vanoti mwanakomana wavo ane makore mashanuave nemavhiki matanhatu achirwara nechikosoro kunyangwe ari kunwa mushonga.
Amai Mkaronda vanotiwo varikubika hanyanisi, garlic, tsangamidzi, mandimu ayo anozoiswa huchi izvo vanopa mwana wavo kaviri pazuva..
Nyanzvi yehutano Dr Josephat Chiripanyanga vanoti vasangana nevarwere vakawanda vane chikosoro chisiri kupera nenguva ichi.
Doctor Chiripanyanga vayambira kuti kana vemhuri vakaona kuti chikosoro charamba kupera vanofanira kukurumidza kunorapwa kumakiriniki nekuzvipatara chisati chakonzera mamwe matambudziko.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano, inoshanda mukanzuru yeHarare, Dr Michael Vere vaudza Studio 7 kuti havasati vanatsoziva kuti dambudziko iri rafararira zvakadini muHarare, asi vavimbisa kuti vachazopa mhinduro yakakwana kana vambotanga vanzwa kubva kumakiriniki nezvipatara zvese zvekanzuru kuti nyaya iyi yakamira sei.
Sangano reWorld Health Organisation rinoti chikosoro ichi, chinozivikanwa nezita rokuti chronic bronchitis.
Sangano reWHO rinotiwo chikosoro ichi chikaramba kupera zvachose, zvinenge zvoreva kuti murapwi uyu anogona kunge ave nedenda rekutadza kufema zvakanaka sezvinoita Asthma.
Facebook Forum