Munyori mukuru musangano revanehusope reAlive Albinism Initiative VaMalvin Kuda Sithole nezuro vakati sangano ravo rakaenda kuhofisi yegurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa netsamba yenyuyuto zvichitevera mashoko akataurwa panhepfenyuro yeZBC TV naVaPatriarch Nyaude ekuti husope hunokonzerwa nekuroyiwa.
Mashoko aya ari kushorwa nevanehusope uye masangano anorwira kodzero dzevanhu achiti zvinogona kuguma zvapa kuti vanehusope vapondwe sezviri kuitika kune dzimwe nyika dzakaita seTanzania, Malawi neMozambique zvinofungidzirwa kuti nedzvemushonga wechivanhu.
VaSithole vanoti pane mumwe mukadzi musope aida kupambwa paWinchedon Supermarket kuBorrowdale muHarare akatozobatsirwa nevamwe varume vakanzwa kuchema kwake.
Nyaya iyi iri mumaoko emapurisa. VaSithole vanoti VaNyaude vanofanira kukumbira ruregerero uye ZBC haifanire kungoregedza vanhu vachitaura zvavasinganzwisise.
Facebook Forum