Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanodzinga Muzvare Khumalo muMDC Diki


Mutungamiri webato diki reMDC, VaWelshman Ncube, vanoti vadzinga mutevedzeri wemutauriri wedare reparamende, Muzvare Nomanalanga Khumalo, kuva nhengo yebato iri.

VaNcube vanoti bato ravo ratora danho iri nekuti Muzvare Khumalo vari kudyidzana zvakanyanya neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Muzvare Khumalo ndivo mumiriri weUmzingwane mudare reparamende, uye vanova nhengo yechina yeparamende kudzingwa nebato iri.

Bato iri ndiro riri pamberi pamapato matatu ari muhurumende pakudzinga nhengo dzaro mubato nemuparamende richidzipumha huroyi.

Mushure maro mune Zanu-PF, iyo yakadzingawo mubato Amai Tracy Mutinhiri mwedzi mishona yapfuura.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuita kwakadai kuri kudzorera hutongo hwejekerere kumashure sezvo Muzvare Khumalo, vakadzingwa mudare reparamende sezvakaitwa vamwe vakapandukira VaNcube, zvinoreva kuti nzvimbo dzakawanda dzinenge dzisisina vamiriri muparamende.

Kubva zvakaumbwa hurumende yemubatanidzwa hapana sarudzo dzati dzaitwa munzvimbo dzinodarika gumi nenomwe mudare repasi pamwe nerepamusoro. Hurumende inoti inotya kuti panoita mhirizhonga uye inotiwo haina mari.

Vachitaura pakupera kwemusangano wavo kuUmzingwane neMugovera, VaNcube vakati Muzvare Khumalo vanonyepa kuti vari kutsigira VaArthur Mutambara, asi ivo vari hama yepedyo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Muzvare Khumalo vanoti vatoiverengawo mumapepanhau nezvekudzingwa kwavo sezvo vasati vaudzwa zviri pamutemo nebato ravo.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanoti Muzvare Khumalo vakazvidzinga vega mubato kuburikidza nemaitiro avo.

Mutauriri wenhengo dzeMDC dzinotsigira VaMutambara, VaMaxwell Zimuto, vanoti havatambire maitiro pamwe nemashoko aVaNcube padanho ravatora pana Muzvare Khumalo.

XS
SM
MD
LG