Accessibility links

Breaking News

VaNcube Voratidza Masimba Avo Matsva


Mutungamiri mutsva werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, vanoti ndivo vachange vachimirira bato ravo panosangana vatungamiri vatatu vemapato ari muhurumende neMuvhuro wega wega kuti vazeye zviri kuitika muhurumende.

Izvi zvinoreva kuti VaNcube, kwete VaArthur Mutambara, ndivo vanenge vonwa svutugadzike nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai pose pavanenge vachikurukura nezvehurumende yemubatanidzwa.

VaNcube vanoti komiti yebato ravo ndiyo ichaona zvekuita naVaMutambara avo vachiri mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, kunyange hazvo vakabviswa pachigaro chekutungamira bato ravo mukupera kwesvondo.

VaNcube vati VaMutambara vanenge voita basa ravanenge vapihwa nebato muhurumende asi zvebato zvinoitwa naVaNcube mbune.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti iri idanho rekutanga ratorwa naVaNcube murwendo rwavo rwekubvisa VaMutambara pachigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti kuna VaMutambara, hapachina chembwa sezvo tenzi vararira mutakura.

XS
SM
MD
LG