Accessibility links

Breaking News

VaNcube naVaMutambara Vosvitsa Gakava Ravo Kuna VaZuma


Vari kunetsana pahutungamiri hweMDC diki, VaWelshman Ncube naVaArthur Mutambara, vakwidzwa gakava ravo kune mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, kuti vagadzirise kunetsana kuri pakati pavo.

Vaviri ava vakanyora tsamba kuna VaZuma vachiti mutungamiri weSouth Africa, ayedze kupindira panyaya iyi sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kumira nemunhu mumwe chete panyaya iyi. Izvi zvinotevera kuramba kwaVaMugabe kutoresa mhiko VaNcube kuti vave mutevedzeri wemutungamiri wehurumende zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa pamusangano mukuru webato ravo muna Ndira.

VaMugabe vanonzi vakati vari kuda kuti nyaya yakakwidzwa nevari kuramba hutungamiri hwaVaNcube itange yapera kutongwa nedare redzimhosva repamusoro reHigh Court.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti hapana zvikuru zvingaitwe naVaZuma kusvika nyaya yapera kumatare.

Zvichakadaro, chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vari kupinda munyika svondo rinouuya kuzosangana nevari kumiririra mapato ari muhurumende yemubatanidzwa kuti vazeye nezvemisariridzwa yezviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Muzvare Zuma vanoti vachataurawo nyaya dzehwaro negwara resarudzo kana kuti Elections Road Map pavachasangana nevamiriri vemapato aya.

Vanotiwo vari kuziva zviri kuitika panyaya yemhirizhonga munyika uye vati nyika haingaite sarudzo vanhu vakapakatira mapfumo.

Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, avo vachange vakamiririra MDC diki muhurukuro idzi, vanoti nyika haingaite sarudzo isati yagadzirisa zviri kunetsa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reMDC huru, kanawo Zanu PF pamusoro perwendo rwenhumwa dzaVaZuma.

XS
SM
MD
LG