Nyanzvi dzezvematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzinoti kusaremekedzwa kwemitemo, huori uye kutadza kufambiswa kwemari dzenyika nemazvo, zvimwe zvezvinhu zviri kukonzera kuti Zimbabwe ipinde parumananzombe pairi.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica, reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti chikonzero chikuru chiri kukonzera matambudziko ari munyika kusaremekedzwa kwemitemo yenyika, zvikuru nehurumende.
VaMavhinga vanotiwo pasvika zvinhu muZimbabwe, pave kuda kuti masangano akaita seUnited Nations achipindira muZimbabwe nekuti hurumende iripo haisi kuremekedza mitemo yenyika.
Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, Va Rejoice Ngwenya, vachitaura vakazvimirira, vanoti hutongi huripo hune hudzvinyiriri nehuori izvo zvinopa kuti nyika iende kumawere.
VaNgwenya vanotiwo hutungamiri huripo hwatadza kuzadzisa zvahwakavimbisa kuti huchaitira veruzhinji.
Nyanzvi mune zvehupfumi, uye vachishanda nesangano re Percycon Financial Services, Va Persistance Gwanyanya, vanoti hurumende ine huori uye haibati mari dzenyika zvakanaka.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanotiwo sangano reSouthern African Development Community neAfrican Union anofanirwa kupindira muZimbabwe kuitira kuti abatsirewo kugadzirisa matambudziko ari munyika.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotiwo zviri kuitika munyika zvave kuda kuti vekunze vapindire sezvo zvinhu zviri kuramba zvichiipa muZimbabwe.
Ukuwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti nyika dzekunze, zvikuru dzekumavirira zuva, ndidzo dziri kukonzera kusagadzikana munyika.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe zvichitevera mhirizhonga yakaitika mwedzi wapera iyo yakasiya vanhu gumi nevashanu vafa mushure mekupfurwa nepfuti.
Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda akakonzerwa nemabara epfuti.
VaMnangagwa vanoti vakaisa mauto mumigwagwa kuitira kuti achengetedze runyararo.
Facebook Forum