Hurumende inoti pane anachiremba vasingadariki makumi mashanu chete vadzoka kubasa zvichitevera mazuva maviri akatarwa nemutungamiri wenyika kuti vange vadzoka kubasa pasina mibvunzo.
Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo vati vati pane madhokotera makumi mana nevatanhatu chete vadzoka pabasa zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nanachiremba.
Izvi zvinotevera kurudziro yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yekuti anachiremba vakadzingwa mabasa vadzoke kubasa mukati memazuva maviri pasina mibvunzo.
Vatiwo nguva yakatarwa naVaMnangagwa kuti anachiremba vadzoke kubasa pasina mibvunzo haisi kuzowedzerwa sezvirikudiwa nesangano rinomirira anachiremba vadiki reZimbabwe Hospital Doctors Association.
VaMoyo vatiwo hurumende iri kuda kuti nhaurirano dzirambe dzichienderera mberi navanachiremba asi hurumende ichaita nhaurirano nanachiremba vari pabasa chete kwete vari kuramwa mabasa.
Vatiwo hurumende iri kuedza kugadzirisa matambudziko ese ari kusangana nanachiremba muzvipatara akafanana nekushayikwa kwezvikwanisiro zviri kudiwa nanachiremba kuti vakwanise kuita basa ravo kunyange hazvo vati hazvisi zvese zvavankwanisa kugadzirisa munguva pfupi.
Izvi zvinouya apo anachiremba vakuru vachiti vari kuronga kuratidzira mangwana vachiti basa ravawandira kubudikidza nekuramwa mabasa kwanachiremba vadiki uyewo senzira yekuratidza kusafara nemari dzemihoro dzavari kupihwa nehurumende.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna vanachiremba sezvo vakafanobata chigaro chesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Tawanda Zvakada vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Zvichakadai, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vati dare remakurukota rabvumirana kuti varimi vechichena vaimbove varidzi vemapuazi vabhadharwe mari yemuripo yekutorerwa kwavakaita mapurazi avo inodarika mamiriyoni makumi makumi mashanu emadhora ekuAmerica kuvarimi zana.
Izvi zvatsinhirwa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana.
Varimi vechichena vanodarika zviuru zvina vakatorerwa mapurazi avo pachirongwa chekugovera ivhu kuvatema izvo zvinonzi ndezvimwe zve zvakakodzera kuti hupfumi hwenyika huwire pasi.
Facebook Forum