Kusaenda kubasa kwavanachiremba kwave kupararira kuzvipatara zvakawanda munyika sezvo pasina nhaurirano dziri kuitwa nehurumende kugadzirisa nyaya iyi.
Izvi zvasiya varwere vakawanda vachitambura nekushaya vanobatsira.
Vamwe vataura neStudio7 vati vari kutora nguva yakawanda vakamirira kubatsirwa vamwe vachinzi vazodzoke kana zvinhu zvave nani.
Vanachiremba vanoti vari kuda kuti mari dzavanotambiriswa dziiswe pachikero chimwe chete nemari yekuAmerica pakutengwa kwainoitwa mumabhanga pazuva zvichienzaniswa nemari yemaRTGS Dollars.
Hurumende yakawedzera vashandi vayo vemuzvipatara mari inosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana svondo rapera.
Asi vashandi vakati vari kutambira asi vaine zvinyunyuto.
Sachigaro wesangano rinoona nezvevashandi mubazi rezvehutano kana kuti Health Services Board, Dr Paulinus Sikhosana, vaudza Studio7 kuti vanonzwisisa zvichemo zvavanachiremba asi vaisafanira kuramwa mabasa sezvo vati vange vaendesa zvimwe zvichemo zvavo kubazi rezvemari.
Asi mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Peter Magombeyi, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara.
Dr Magombeyi vanoti vari kuda kuti hurumende igadzirise zvichemo sezvo sezvo mitengo yezvinhu yakwira zvakanyanya, kusanganisira mari dzekufambisa kuenda kumabasa avo.
Dr Magombeyi vanoti sangano ravo harisi kuramwa kuita basa asi kuti havana mari yekuti vakwanise kuenda kumabasa.
Facebook Forum