Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vokurudzira Kuvhenekwa kwePfungwa Kune Vanenge Varwara neCovid-19


Nyanzvi dzehutano dzinoti panofanirwa kutsvagwa nzira dzokuona kuti varwere veCovid 19 vaongororwe hutano hwepfungwa dzavo nokuti vazhinji vavo vari kunyanya kushushikana nekudzamisa pfungwa zvakanyanyisa pavanenge vachirwara izvo zvinozopa kuti vaite zvirwere zvepfungwa.

Nyanzvi yehutano hwezvirwere zvepfungwa, Dr David Mukwekwezeka, vanoti vanosangana nevarapwi veCovid 19 vakawandisa avo vanenge vachiratidza kushushikana kwakanyanya nokuti vanhu havasi kunzwisisa chirwere ichi zvokuti patove nedambudziko rekusarurwa kunobva kuhama neshamwari dzavo.

Dr Mukwekwezeka vanoti mitemo yakadzikwa yokuti vanhu vagare kumba senzira yokudzivirira kutapuriranwa kweCovid 19, iri kuvhiringidzawo mararamiro evanhu vagara vachitora mishonga yokurapa madenda epfungwa nokuti havasi kukwanisa kufamba kuzvipatara kunopiwa mapiritsi avo.

Vanoti masoja emuviri anoteerera zvinenge zvichifungwa nemurapwi zvokuti munhu uyu akazodzamisisa pfungwa dzake, masoja emuviri anotozorwiswa zvokuti mishonga yaanopiwa haitozodairire muviri wake.

Imwe nyanzvi yehutano, inova zvakare gweta rinomirira nyaya dzakanangana nezvehutano, Dr Masimba Mavhaza, vanotiwo kugara kumba kuri kuitika nepamusana pemitemo yakatarwa nenyika dzose, kuri kuvhiringidzawo hutano hwepfungwa hwevanhu vazhinji.

Dr Mavhaza vanoti kungogara pamba kunokokawo mamwe matenda anenge eshuga neHigh Blood Pressure uye vari kukurudzira vanhu kuti vaite mabasa anoita kuti vadikitire nguva dzose izvo zvinozoita kuti vagare vaine hutano hwakagwinya.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa, vachishanda nesangano reZimbabwe National Association for Mental Health, Dr Igniatius Murambidzi, vanoti kunyange hazvo vari kufara nedanho ratorwa nehurumende rekuti vanhu vagare kudzimba, vayambira havo kuti matenda epfungwa atove dambudziko guru munyika nokudaro panofanirwa kutsvagwa nzira dzokuti vanhu vane dambudziko iri vakurumidze kuwana rubatsiro.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, avo vakambobatwa nechirwere cheCovid-19 gore rakapfuura, vanoti zvakakosha kuti munhu wese aongororwe kuitira kuti chirwere chisapararira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG