Accessibility links

Breaking News

Vana veChikoro Vanodarika Mazana Matatu Vobatwa neChirwere cheCovid-19


Schoolchildren wait to enter their school in Harare, Zimbabwe, Monday Sept, 28, 2020. Zimbabwe schools have reopened in phases, but with smaller number of pupils, more teachers and other related measures to enable children to resume their education withou
Schoolchildren wait to enter their school in Harare, Zimbabwe, Monday Sept, 28, 2020. Zimbabwe schools have reopened in phases, but with smaller number of pupils, more teachers and other related measures to enable children to resume their education withou

Vana vechikoro vanodarika mazana matatu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kunyangwe hazvo hurumende iri kuti iri kuzoenderera mberi nehurongwa hwekunyorwa kwebvunzo dzeZIMSEC kutanga vhiki rino.

Zvikoro zvine vana vabatwa nechirwere ichi zvinosanganisira John Tallach ine vana vanodarika zana nemakumi masere nevana, Chinhoyi High ine vana makumi mashanu nevasere, All Souls Mission ine vanodarika makumi maviri, Anderson Adventisu ine vana gumi nemapfumbamwe uye vanodarika gumi paMatopo High nevatatu pa Rujeko Primary.

Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti vari kuenderera mberi nekuona kuti bvunzo dzanyorwa vachitora matanho akakodzera kuti chirwere ichi chisapararire muvana.

Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri werimwe sangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou vati zvikoro zvinofanira kuvharwa nekuti hurumemende haina kuzvipa zvikwanisiro zvayakavimbisa.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wesangano guru revarairidzi reZIMTA VaRiachrd Gundani vati zvikoro zvine vana vanenge vabatwa nechirwere ichi chete ndizvo zvinofanira kuvharwa.

Hurukuro naVaRichard Gundani
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Zvichakadaro bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMugovera kusvika pazviuru zvipfumbamwe nemazana masere ane makumi maviri nemaviri kana kuti 9,822 mushure mekunge vanhu zana nevasere kana kuti 108 vabatwa nechirwere ichi munyika.

Vanhu vose ava vakatapurirwa chirwere ichi munharaunda dzavo sezvo vasina nhoroondo yekushanya kunze kwenyika.

Dunhu reMidlands rine vanhu makumi mashanu nemumwe kana kuti 51 vakabatwa nechirwere ichi uye kuBulawayo kuine vamwe makumi matatu nevashanu.

Vanhu vari kurwara vave churu chimwe chete nemakumi manomwe nemashanu.

Izvi zvinotevera kupora kwevanhu vaviri neMugovera. Guta reBulawayo ndiro rine vanhu vakawandisa vari kurwara vanosvika mazana matatu nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 386, Matabelaland North ine mazana maviri nemumwe kana kuti 201, dunhu rine vanhu vashoma vari kurawara iManicaland ine vanhu vanomwe chete vari kurwara. Vanhu vafa vachiri mazana maviri nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 275 sezvo pasina akafa neMugovera.

Covid muAfrica

Tichiri panyaya iyi, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nechuru zana kana kuti 2, 1 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi mashanu nechimwe nemazana maviri nemakumi mana nevasere kana kuti 51, 248. Vapora vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1, 8 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Covid Pasi Rose

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi matanhatu nemaviri kana kuti 62 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Huwandu hwevafa muAmerica chete hwave kuda kusvika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 266, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni gumi nematatu kana kuti 13 million.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana kana kuti 1, 4 million. Asi vapora vachidarika mamiriyoni makumi nemapfumbamwe ane zviru mazana matanhat kuti 37, 6 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG