Bazi rezvehutano rinoti vanhu vanomwe vakafa nemusi weChipiri nechirwere cheCovid-19 icho chave kupararirawo zvakanyanya muzvikoro kubva zvazvavhurwa.
Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi manomwe nematanhatu kana kuti 4, 576.
Vanhu mazana maviri nemakumi manomwe nevasere kana kuti 278 vakabatwa nechirwere ichi nezuro. Pavanhu vakabatwa nechirwere ichi ava, makumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 98 vana vechikoro zvikuru kuMasvingo kune vana makumi mana nemumwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro chete.
Kusvika parizvino, vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zviuru nemakumi maviri nezvisere zvine mazana mana nemakumi matanhatu nevana kana kuti 128, 464.
Kunyange hazvo vanhu zvikamu makumi mana kubva muzana vakabatwa nechirwere ichi nezuro vari muzvikoro, mutauriri mubazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vanoti vari kuita zvavanofanira kuita.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Enoch Mayida, avo vakambotungamira chipatara cheChitungwiza, vanoti hurumende inofanirwa kuisa zvikwanisiro zvakakwana muzvikoro kuitira kuti vana nevarairidzi vakwanise kuzvidzivirira.
Zvichakadaro, vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nezvitanhatu nemazana mashanu negumi nemaviri kana kuti 3 976 512.
Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri vave mamiriyoni maviri nezviuru zviuru zana nezvitanhatu zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 2 106 898.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Facebook Forum