Vana vanopfuura mamiriyoni mashanu nezviuru mazana maviri vanonzi vakabayiwa majekiseni ekudzvivirira nhomba mwedzi uno muchirongwa chaitungamirirwa nebazi rehutano, richishanda ne Unicef, World Health Organisation, nemamwe masangano akazvimirira ega.
Masangano aya anoti ari kufara zvikuru kuti kunyange hazvo mune dzimwe nzvimbo vamwe vatenderi vechipositori vakaramba kubayisa vana vavo, vanhu vazhinji vakabaisa vana vavo kuitira kuti vasabatwe nechirwere chegwirikwiti nezvimwe zvinouraya vana.
Muzvare Tsitsi Singizi ndivo mutauriri weUnicef muZimbabwe. Muzvare Singizi vanoti muongororo yavari kuita, vari kufara nekuti vakapfuura zvikamu zvinokurudzirwa kuti zvinge zvabaiwa nhomba.