Accessibility links

Breaking News

Vana Vanomwe Vanofa neManyoka kuKadoma neMasvingo


Dr Portia Manangazira, avo vanoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano, vanoti dambudziko guru ndere kushaikwa kwemvura yakachena uye kusachengetedzwa zvakanaka kwemarara netsvina munyika

Maguta anoti reMasvingo mudunhu reMasvingo pamwe nereKadoma kuMashonaland West, anonzi aita dambudziko rechirwere chemanyoka, izvo zvinonzi zvaita kuti vana vanomwe vafe uye vanhu vanopfuura zviuru zvitanhatu vatsvage kurapwa.

Dr Portia Manangazira, avo vanoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano, vaudza Studio 7 kuti dambudziko guru inyaya yekushaikwa kwemvura yakachena uye kusachengetedzwa zvakanaka kwemarara netsvina munyika.

Vati chiri kunyanya kurwadza ndechekuti vazhinji vari kubatwa nemanyoka aya vana vadiki, avo vanosvika zvikamu makumi masere kubva muzana zvevanhu vari kurapwa pari zvino.

Dr. Manangazira vati makanzuru anofanira kuona kuti marara ari kuraswa zvakanaka here uye vanhu vane mvura yekunwa yakachena, senzira yekudzivirira dambudziko remanyoka.

Dr Manangazira vati bazi rakabatana nemakambani ano sanganisira Lever Brothers, vakarangarira zuva rekukurudzira vanhu kuti vageze maoko senzira yekudzvivirira manyoka iwaya nechirwere chekorera.

Chiitiko chikuru ichi chakaitirwa mumusha weBudiriro muHarare, uko kwakamboita dambudziko guru rekorera makore mashoma apfuura.

XS
SM
MD
LG