Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vashanu vekuAmerica neMumwe wemuZimbabwe Vanosungwa


Mapurisa emuHarare asunga vana chiremba vashanu veku America, pamwe nemumwe chete anzi ndewemuZimbabwe.

Zvinonzi vana chiremba ava vasungwa vachivapomera mhosva yekushanda vasina mvumo apo vange vachipa mishonga kune vanorarama nechirwere che HIV/AIDS kuRanch House College mu Harare.

Gweta riri kumirira vana chiremba ava, Va Jonathan Samkange, vati ichokwadi kuti pana vana chiremba vasungwa, uye vanyoreswa ma warned and cautioned statements ku Harare Central Police pari zvino.

VaSamkange vanoti vana chiremba ava vari muhusungwa pari zvino uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMugovera.

XS
SM
MD
LG