Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vodzwa neZEC Kuti Vakabviswa paGwaro reVavhoti neKuti Vakafa Asi Ivo Vari Vapenyu


Vamwe vanhu vari kuenda kunotarisa mazita avo kuti akanyorwa mugwaro revanhu vakanyoresa kuvhota vari kushaya mazita avo vachinzi vakafa.

Mumwe weavo vaenda kunotarisa kuti zita rake rakanyorwa here mugwaro revanhu vakanyoresa kuvhota VaEmmanuel Chateka vanoti vashaya zita ravo vachinzi vakafa gore rakapera.

VaChateka vanoti vashandi veZimbabwe Election Commission, ZEC, varamba kuvanyoresa patsva vachiti vatange vapedzerana nevanopa zvitupa nemagwaro ekuzvarwa panyaya yekuti sei vari kunzi vakafa ivo vari vapenyu.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West VaAustin Ndlovu vanobvuma kuti pane vanhu vari kunzi vakafa ivo vari vapenyu vakati nyaya dzakadaro dzinogadziriswa nebazi rekwaRegistrar-General.

VaNdlovu vanoti zvakakosha kuti munhu anotarisa kuti zita rake rakanyorwa here kwete kuvimba nezvataurwa zviri kuiswa pambozhanhare kubva kuZEC nekuti panenge pasina zvimwe zvakafanana neadhiresi yapamba panogara munhu uye kuti munhu mudzimai here kana kuti murume.

Gwaro rinonyorwa vanhu vakanyoresa kuvhota ragara riine mutauro kubva kusarudzo dzemakore akapera.

Musarudzo dzemuna 2013 mazita evanhu vakafa anosanganisira vaimbove mutungamiri wenyika ichiri kutongwa nevachena VaIan Douglas Smith akawanikwa achiri mugwaro remazita evanhu vakanyoresa kuvhota izvo zvakashandiswa kumanikidza hurumende kuti igadzire rimwe gwaro rechizvino zvino reBVR.

Hatina kunzwa divi rekwaRegistrar-General sezvo mukuru wavo VaTobaiwa Mudede vanga vasinga davire mbozhanhare yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG