Accessibility links

Breaking News

Vamwe veMasangano Akazvimirira Vanoti muNyika Hamuna Rusununguko


Vamwe vemasangano akazvimiririra vari kunyunyuta kuti hurumende itsva iyo yave negore ichitonga iri kuramba ichimbunyikidza kodzero dzevanhu pamwe nekuvhara mikana yekushanda yemasangano avo, mapato ezve matongerwe enyika anopikisa nevatori venhau.

Vachitaura pamusangano weNG0’s Directors Summer School, muBulawayo nhasi, vemasangano akazvimirira vanoti hurumende itsva yemutungamiri wenyiak VaEmerson Mnangagwa haisati yasunungura mitemo kuti vashande zvakanaka kunyange vakavimbisa kuti vachatungamira nyika zvakasiyana nezvaitwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Mukuru webasa musangano reZimRights, VaOkay Machisa vanoti hurumende iripo yatadza kugadzirisa kuti vanoona zvakasiyana nayo vashande zvakanaka pasina kumbunyikidzwa.

Vachitaurwo pamusangano mumwe chete Rev Usain Sibanda ve Zimbabwe Christian Alliance, vanoti kumbunyikidzwa kwe kodzero dzeve masango akazvimirira pamwe ne vatori ve nhau kwatowedzera.

VeMasangano anorwira kodzero dze vatori venahu vanoti kushungurudzwa kwevatori venhau munyika kwakakwira apo mutungamiriri wenyika VaMnangagwa vachipinda panyanga vaivimbisa kutungamira kwejekerere.

Mukuru webasa muMedia Institute of Southern Africa mu Zimbabwe, VaThabani Moyo vanoti huwandu hwevatori venhahu vari kushungururdzwa nemapurisa pamwe ne mauto vari pabasa huri kuvarwadza.

Vemasangano aya vanoti mitemo ino dzvinyirira yakaita se POSA ne Aippa irichiri kushandiswa ne hurumende yaVaMnanagagwa ku mbunyikidza kodzero dze vatori venhau nevemasangano akazvimiririra munyika.

Vemasangano aya vati vanoda kukoka mutunganmiriri wenyika kuti vagare naye pasi vakurukure nezve nyaya iyi.

VeSangano Re Civicus Conection rine muzinda waro mudhorobha re Johannesburg muSouth Africa rinoita tsvakurudzo dzenyika dzinotoita hutongi hwe jekerere vanoti Zimbabwe iri muboka redzimwe nyika dzino dzvinyirira masangano akazvimirira.

Muzvare Teldah Mawarire vanoona nezvekufambiswa kwe basa kusangano re Civicus anoti kunyange hako hurumende itsva isina kusunungura nyika kuita basa kumasangano akazvimirira, ine zvimwe zvakanaka zvairi kuita.

Kunyange tatadza kutaura negurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa sezvo vari murwendo kuenda kuBinga kubasa, masvondo apfuura vakambozivisa kuti hurumende itsva iri mubishi rekugadzirisa kuti vatori venhau pamwe nemamwe masangano ashande zvakasununguka.

Asi vemasangano aya vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo hurumende ichingovimbisa asi pasi chinozobuda.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG