Accessibility links

Breaking News

Vamwe VeMagaraji Voramba Mari dzeEcoCash neOneWallet


Mamwe magaraji anotengesa mafuta ekufambisa dzimotokari muChinhoyi ave kuramba kutengesa mafuta neEcoCash neOneWallet kana swipe vachiti vanoda mabhondi chete.

Zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mafuta ekufambisa dzimotokari nemusi weMugovera nzvimbo dzakawanda dzave kuatengesa nemabond notes chete.

Kutenga mafuta nemabhondi kwave kuremera vakawanda sezvo vavekumanikidzwa kutenga mari iyi pamusika mutema apo iri kutengeswa nezvikamu makumi matatu kubva muzana.

Bazi reZimbabwe Energy Regulatory Authority kana kuti ZERA rakakwidzwa dhiziri kubva pamadhora manomwe nemakumi maviri nemasenzi maviri kusvika pamadhora mapfumbamwe nesendi rimwe chete parita ukuwo peturu yakakwidzwa kubva pamadhora manomwe nemakumi mashanu nemasenzi mashanu kusvika pamadhora mapfumbamwe nemasenzi matanhatu parita.

Mumwe mutyairi VaTapiwa Chikondowa vanoti vedzimotokari vakawanda havasi kubvumirwa kuSwiper kana kushandisa Ecocash zvave kuvatuma kunotenga mabhondi pamukoto.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mutyairi VaKillford Khupheko vanoti kutenga mari pamukoti zvave kuita kuti vadhurirwe nemafuta zvakanyanya.

VaKhupheko vanoti izvi zviri kuratidza kuti huori hwatekeshera munyaya dzemafuta rkufambisa dzimotokari munyika.

Mumwe mukuru wepagaraji reEngine asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anobvuma kuti dzimwe nguva vanotambira mabhondi chete kana michina yekuSwiper isingashande sezvave kuitika nguva dzakawanda nekuda kwekunetsa kwemagetsi munyika.

Gurukota rezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vanoti kusatengeswa kwemafuta edzimotokari neSwipe kana Ecocash kunoongororwa nebazi reZERA .

VaChasi vanoti mafuta edzimotokari haasi kuzokwidzwa nekukasika sezvo hurumende iri kuda kuti mafuta awanikwe munyika kwete kuramba vachikwidza mutengo wemafuta asi iwo asingawanikwe.

Hatina kunzwa divi reZERA panyaya iyi sezvo mbozhanhare dzavo dzanga dzidsingadavirwe.

Mune imwewo nyaya zvitoro zvinotengesa zvekudya zvakaita seOK neTM muChinhoyi hazvichape vatengi mari kana vatenga zvinhu zvakawanda kana kuti cash back sezvavaimboita vachiti vave kuda kushandisa mari iyi kutenga dhiziri rekushandisa mumajenareta sezvo magaraji vave kuda mabhondi chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG