Accessibility links

Breaking News

Muzvare Rushwaya Vozvimbirwa neChikiribidi cheKutengesa Mitambo kuAsia


Vatambi vane chitsama pamwe nevashandi vakuru vemu Zifa vawanikwa vaine mhosva yekuita huori hwekutengesa mitambo yenhabvu kuitira kuti vapihwe mari.

Izvi zvinonzi zvakaitika muna Zvita gore rapera, apo Zimbabwe Warriors yakaenda ku Thailand neMalaysia kunoita mitambo yaibhejerwa muchivande. Izvi zvabuda mugarwo reongoro yekomiti yeZifa yaitungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri we Zifa, Va Ndumiso Gumede.

Ongororo iyi inoroverera zvakare mhosva yehuori kuvakambomiswa basa sa chief executive we Zifa, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakaramba kumira pamberi pekomiti yaVaGumede vachipikisa zvavaipomerwa.

Vamwe vari kunzi vakapihwa mari kuti vatengese mitambo iyi ndi Method Mwanjali na Nyasha Mushekwi, avo vanotambira Mamelodi Sundown ku South Africa.

Vatambi vakabvuma kuti vakabhadharwa kuti vakundwe, vanoti vakapihwa mari inoita chiuru nemazana mashanu emadhora eku America pamunhu.

Mitambo yeku Thailand ne Malaysia inonzi yakarongwa naMuzvare Rushwaya pamwe neimwe nhengo ye Zifa, VaJonathan Musavengana, zvisina ruzivo rwe Sports and Recreation Commission.

Pakabuda nyaya yehuori uhu, Muzvare Rushwaya vakabva vambomiswa basa neZifa, kuitira kuti kuferefetwa kwenyaya yavanga vachipomerwa, kuenderere mberi zvakanaka.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Muzvare Rushwaya. Asi VaMusavengana vati havasati vadaidzwa neZifa uye vachataura nezvenyaya iyi nemusi weChishanu.

Vachitaura pachirongwa cheLive Talk sachigaro veSports and Recreation Commission, uyezve vari gweta, Va James Joseph, vanoti pachatora nguva kuti sangano ravo rinyatsoverenga zvinyorwa zvarakapihwa neZifa uye veruzhinji havafanirwi kukurumbidza kuvhunduka sezvo pachiri nezvizhinji zvinoda kuongororwa panyaya iyi.

Asi imwe nhengo yeZifa, Va Benedict Moyo, vanoti zvabuda muongororo iyi zvinosvibisa, kwete vanhu ava chete, asi kutiwo zita renyika harisari rakachena pakadai.

XS
SM
MD
LG