Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varairidzi Vombosungwa Apo Hurumende Yotadza Kuwirirana neVashandi paNyaya yeMari Dzavanotambira.


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Nhengo pfumbamwe dzesangano revadzidizi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ, dzakambochengetedzwa nemapurisa zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nesangano iri muHarare panguva iyo vamwe vashandi vehurumende vanga vachiita musangano nemamwe makurukota hurumende.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, nedzimwe nhengo sere dzesangano ravo vakambochengetedzwa kwechinguvana nemapurisa mushure mekusungwa kwavaitwa vachida kutanga kuratidzira paAfrica Unity Square.

VaMasaraure vaudza Studio vari pakamba yeHarare Central kuti kunyange hurumende ikavasunga havasi kuzodzokera shure panyaya yekurwira kuti vadzidzisi vabhadharwe nemari yekunze pamwe nekupihwa zvimwe zvikwanisiro zvinoita kuti vaite basa ravo nemazvo.

Pavaregedzwa nemapurisa vasina mhosva yavapomerwa zvichitevera kupindiria kwaita magweta avo, VaMasaraure nevamwe vavo vabva vaenda kunoratidzira pahofisi yegurukota rezvemari Muzvinafundo Muthuli Ncube vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro vachiti havasi kuzoenda kumabasa panovhurwa zvikoro nemusi weChipiri.

Tichiri panyaya iyi, mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo vati sangano ravo harisi kufara nechisimba chiri kushandiswa nehurumende pavashandi vayo vari kuda kuwedzerwa mari dzemihoro.

Zvichakadai, masangano ese anomirira vashandi vehurumende aita musangano negurukota rezvevashandi VaJuly Moyo achida kuti vashandi vehurumende vawedzerwe mari asi hapana chinobatika chabuda mumusangano uyu.

Mutevedzeri wemunyori mukuru muApex Council, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 mushure memusangano wavo kuti hurumende yati haikwanise kubhadhara vashandi vayo nemari yekunze.

VaMushangu vati sevashandi vehurumende havasi kuzoramwa mabasa parizvino kunyange hazvo vati vashandi vazhinji vanogona kutadza kuenda kumabasa sezvo vaine mari isingavakwanire kuti vakwire mabhazi kuenda kumabasa pamwe nekuraramisa mhuri dzavo.

VaMushangu vati vave kutarisira kuti nhuna dzavo dzichagadziriswa mumusangano weNational Joint Negotiating Council wakatairisirwa kuitwa munguva pfupi iri kutevera.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chegurukota rezvemaindustry VaJuly Moyo mushure memusangano wavaita nevemasanagano anomirira vashandi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Vashandi vehurumende vanoti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambiriswa pamwe nekugadzirisirwa zvikwanisiro zvose zvinoita kuti vakwanise kuita basa ravo zvakanaka.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG