Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanozvitira Mabasa eMaoko Vanoti Havana Kuwana Mari yeKubatsirikana Yakavimbiswa neHurumende


Mbare Musika Coronavirus2

Mamwe masangano makuru anomirira vanorarama nekuzviitira mabasa emaoko akaita seBulawayo Vendors and Traders Association kana kuti BVTA, Vendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET, ne Zimbabwe’s Chamber of Informal Economy Associations kana kuti ZCIEA, anoti nhengo dzavo hadzisati dzatanga kuwana mari yakavimbiswa nehurumende yekubatsira munguva ino yelockdown sezvo dzisiri kuenda kumabasa.

Dzimwe nhengo dzemasangano aya dzavekusungwa dzichitsvaga raramo nekutengesa zvisiri pamutemo.

Asi gurukota rezvevashandi nemagariro akanaka evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti vanozvitira mabasa emaoko vanosvika zviuru mazana matatu negumi kana kuti 310 000 ndivo vakanyoresa kuti vapihwe rubatsiro nehurumende iyo inoti yakamboisa parutivi mari inosvika mamiriyoni makumi masere nemapfumbamwe kana kuti 89 million.

Bazi raVaMavima rinoshanda neremadzimai nemabhizimisi ari pakati nepakati nemadiki.

Ongororo yeZimbabwe National Statistics Agency inoti hayo vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2,2 million ndivo vanozviitira mabasa emaoko.

Mumwe mutevedzeri wemukuru mubazi rezvemagariro evanhu, VaTawanda Zimhunga, vachitaura pamusangano wainge wakarongwa nesangano reZimbabwe Coaition on Debt and Development vakati vashandi vashoma mubazi ravo zvinoita kuti kupa vanenge vachida rubatsiro kunonoke.

Mukuru weBTA, VaMichael Ndiweni, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo dzakapedzisira kuwana mari gore rapera paockdwon asi dzakapihwa mashora mashanu ekuAmerica chete asi rwendo rwuno hapana chabuda.

Munyori mukuru weZCIEA, VaWisborn Malaya, vanoti hapana rubatsiro rwavati vawana.

Mukuru weVISET,VaSamuel Wadzai, vanoti nhengo dzavo dzave kunonga svosve nemuromo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG