Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Zvakarwirwa Hondo Hazvina Kuzadzikiswa Sezvo Nhamo Yatekeshera


Zimbabwe Heroes Acre, Harare.
Zimbabwe Heroes Acre, Harare.

Apo Zimbabwe iri kucherechedza zuva remagamba vamwe vanoti zvakarwirwa muhondo yerusununguko zviri kuzadzikiswa, asi vamwe vachitiwo kutambura kuri kuita vana veZimbabwe, chiratidzo chekuti nyika haisisiri mugwara raitarisirwa nevakarwira nyika.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vanoti zvimwe zvakarwirwa muhondo yeChimurenga, kutora masimba ezvematongerwo enyika kwakaitwa nevanhu vatema.

VaMahiya, avo vanove nhengo yeZanu PF, vanotiwo chimwe chakagonekwa munyika kupihwa kwakaitwa vanhu vatema mapurazi, kunyange hazvo zvakarwirwa muhondo yeChimurenga zvisina kubudirira zvese.

VaMahiya vanoti hurumende yaiva yaVaRobert Mugabe yakavhiringa zvinhu nekuisa vanhu muzvinzvimbo asi vasina ruzivo rwezvakaenderwa kuhondo.

Mumwe aive murwiri werusununguko, VaShadreck Makombe, vanotiwo chakanyanyobudirira kuwaniswa kuwaniswa minda kwevanhu vatema.

Asiwo VaMakombe vanoti vamwe havachakoshesi vaimbove varwiri verusununguko, kunyanya vechidiki, vavanoti havachaoni kubatsira kwekusununguka kwenyika nekuti vanoona zvinhu zvavo zvisingachafambi. VaMakombe vanoti tarisiro yavo huru ndeyekuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varange vese vane huori munyika.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, Dr Tinashe Mawere, vanoti kwavari hapana chakachinja patsika dzehutongi sezvo kuchine hudzvinyiriri. Vanotiwo vanoona sekuti ropa rakadeukira mahara munguva yehondo.

Mutauriri webato reMDC, VaDaniel Molekele, vanotiwo zvakarwirwa muhondo yekusunungura nyika zvakasiyana zvikuru nezviri kuitika munyika pari zvino. VaMolekele vanoti Zimbabwe yava kutoda kuvakwa patsva.

Asi VaMahiya vanoti kutambura kuri kuitika munyika kwakakonzerwa nehutongi hwaVaMugabe, uhwo husina kugadzirisa hupfumi hwenyika, izvo vanoti zvava kugadziriswa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Vakawanda vanoti havaoni kukosha kwekuzvitonga kana munyika musina mabasa, kodzero dzevanhu dzichityorwa nehurumende, muzvipatara muchishaikwa mishonga, zvinhu zvichidhura muzvitoro, vanhu vachiita zvidzidzo zvepamusoro soro asi vachipedzisira votengesa zvinhu mumigwagwa nepamusana pekushaikwa kwemabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG