Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Idzva Kokonzeresa Mutauro


Nyaya yekuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika iri kukonzera mitauro yakawanda kubva mumapoka akasiyana-siyana, nekuda kwekusabudirana pachena kunonzi kuri kuitika mumafambisirwo ari kuitwa chirongwa ichi.

Vamwe vanoti chirongwa ichi chakambosendekwa parutivi sezvo changa chapindwa navanapongwe, avo vange voda kushandisa mukana uyu kuita zvisiri pamwero. Vamwewo vanoti chirongwa ichi chakambomiswa sezvo vana muzvinadura, avo vari kuunganidza mari iri kushandiswa muchirongwa ichi, vari kugunun’una nematsengerwo anonzi ari kuitwa mari nevari kufambisa basa iri.

Mamwewo mashoko ndiwo anoti pakanga paita mangange panyaya yevanhu vachange vachinyora zvichabva muvanhu, sezvo mapato ari muhurumende achinzi ari kuda kuti ave nevanhu vakaenzana vachange vachiita basa iri.

Asi zviri kubva kune vacho vari kukurunga gapu rekuumbwa kwebumbiro remitemo iri, zvinoratidza kuti ose machena. Asika vakuru vakati pane chiutsi pane moto.

Sangano riri kubatsira nemari reUNDP harisi kubuda pachena pane zviri kuitika muchirongwa ichi, kunynage hazvo vari kutungamira nmhaurirano dzeMDC neZanu PF, vari kunzi vakaenda kunogadzirisa nyaya iyi nesangano iri neChitatu.

Chief Executive Officer weNANGO, VaCephas Zinhumwe, vanoti pane zvakawanda zvisiri kujekeswa munyaya yekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Ukuwo mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti kunyange hazvo sangano ravo risiri kuwirirana nemanyorerwo ari kuitwa bumbiro idzva, zvinenge zvakanaka kuti vanhu vanonyora pfungwa dzinobva muvanhu, vange vari vanhu vasina divi ravakarerekera, kwete kutora vanobva kumapato ezvematongerwo enyika sezviri kuitwa nehurumende.

XS
SM
MD
LG