Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vane Zvimwe Zvirwere Zvakomba Vokurudzirwa Kusabayiwa Nhomba yeCovid-19 Yoenda kuMatunhu Ose


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vachibayiwa nhomba
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vachibayiwa nhomba

Bazi rezvehutano rinoti kutanga nemusi weMuvhuro vakoti, vanachiremba nevamwe vanenge vachibayiwa nhomba yeCovid-19 yeSinopharm yakabva kuChina mumatunhu akasiyana siyana.

Vakuru mubazi rezvehutano havasi kupindura mibvunzo kubva kuvatori venhau nenhengo dzeparamende nezvenhomba iyi zvopa kuti vamwe vagume vaenda kumatare.

Asi imwe nyika iri kushandisa nhomba iyi yeUnited Arab Emirates iri kuti pane vamwe vanhu vasingafanire kubayiwa sezvo pasina tsvakurudzo yakwana kuti inoshanda sei vakabayiwa zvinosanganisira madzimai akazvitakura nevamwe vane zvirwere zvakomba mumiviri yavo.

Nyika iyi iri kukurudzira kuti kana munhu abayiwa anofanira kumbomira kwemaminetsi ari pakati pegumi nemashanu nemakumi matatu kuti aone kuti haana hurwere hunogona kutanga uye kuti zvive nyore kuti abatsirwe nevanamazvikokota pakaita dambudziko.

Mushure memazuva matatu kana mashanu munhu anonzi anogona kuti rwarei achipisa muviri, kana kutemwa nemusoro asi izvi zvinonzi zvinoratidza kuti mushonga uyu uri kushanda.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Enoch Mayida vanoti zvakakosha kuti vanhu vazive kuti havasi vose vanobayiwa nhomba sezvo pachiri kuitwa tsvakurudzo asi vakati vakawanda vakabayiwa zvinobatsira chose.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MuHarare ndimo makaparurwa chirongwa ichi nemusi weChina uye neMuvuro matunhu ose anenge oparurawo hurongwa hwavo. Semuenzaniso, kuMidlands kuGweru vanhu vachatanga kubayiwa nhomba iyi paSenga Police Station. Midlands yakapihwa nhomba zviuru gumi nezvitatu zvine mazana masere kana kuti 13, 800.

Dunhu reMasvingo rinonzi rakapihwa nhomba zviuri makumi maviri nemaviri kana kuti 22 000, Matabeleland North yakapihwa nhomba zviuru zvipfumbamwe kana kuti 9,000.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vanotiwo vari kutarisira imwe nhomba zviuru mazana matanhatu kana kuti 600, 000 svondo rinouya kubva kuChina.

Huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe huri kuramba huchiderera uye bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo kwakafa vanhu vaviri nechirwere ichi.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachakatanga kupararira vave chiuru chimwe chete nemazana mana ane makumi matatu nemaviri kana kuti 1,432.

NeSvondo vanhu makumi mashanu nevasere kana kuti 58 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nemashanu nemazana manomwe anemakumi matanhatu nevasere kana kuti 35, 768.

Vanhu zana nemakumi maviri nevana kana kuti 124 vakapora kubva kuchirwere ichi nezuro zvasiya vanhu vapora vave zviuru makumi matatu nemaviri ane makumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 32, 096. Vanhu vachiri kurwara zviuru zviviri zvine mazana maviri nemakumi mana kana kuti 2,240.

Africa

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere kana kuti 3,8 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vadarika zviuru zana rine nemazana manomwe nemanomwe kana kuti 100, 707

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu kana kuti 3, 3 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1,8 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Pasi Rose

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika zana rine gumi nerimwe remamiriyoni kana kuti 111 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mana nemakumi mapfumbamwe nezviuru zvishanu kana kuti 497, 500 vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemasere kana kuti 28 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana kana kuti 2,4 million.

Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nemaviri nezviuru zvinomwe kana kuti 62, 7 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG