Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana Vovhura Zvikoro Asi Varairidzi Vachienderera Mberi neKuramwa Mabasa


Vamwe vana vechikoro vari kuita Form 1 ne 2 pamwe nemagrade 0 kusvika ku5 vakadzokera kuzvikoro neMuvhuro panguva iyo varairidzi vakawanda vasina kuvhunduka kutyityidzirwa nehurumende kuti vadzokere kumabasa izvo zvaita kuti vamwe vabereki vasaendese vana kuzvikororo.

Ongororo yaitwa neStudio 7 muHarare kuzvikoro zvekanzuru pamwe nezvehurumende yabudisa pachena kuti kwanga kusina varairidzi vakawanda kusara kwevakuru vezvikoro.

Vabereki vakawanda kunyanya vanga vaperekedza vana vemagrade epasi vadzokera navo kudzimba. Mumwe mubereki asina kuda kudomwa nezita anga aunza mwana pachikoro chekanzuru cheWestlea ati panga pachingove nevakuru vechikoro asi varairidzi vasipo.

Mubereki uyu ati maonero ake ndeekuti zvikoro zvinongoda kuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro chete asi hakuna kudzidzwa kurikuitwa. Atiwo kusavapo kwevarairidzi uku kurikuisa vana panjodzi yedenda reCovid-19 .

Mumwezve mubereki ataura neStudio 7 angoda kuzivikanwa nekunzi MaNdlovu ati haana kutoendesa mwana wake wegrade 3 kuchikoro mushure mekunge mudzidzisi wemwana wake abuda pachena kuti anenge asiri pabasa nekuda kwekushaya zvikwanisiro.

Masangano anomiririra varairidzi abuditsa gwaro akabatana achiti havasi kukwanisa kudzokera kumabasa nekuda kwekushomeka kwemari yavanotambira.

Mugwaro iri varairidzi vashoropodzawo bazi rezvedzidzo yepasi pamwe ne Public Service Commission vachivapomera mhosva yekusagadzirisa matambudziko avo pamwe nekuda kuvambunyikidza kuti vadzokere kumabasa.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi ranyora gwaro iri, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ Doctor Takavafira Zhou vati nhasi vana vaenda kuzvikoro vakawana kusina varairidzi.

Mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure vati muongororo yavaita vana vakawanda vadzokera kumba nekuda kwekusavepo kwevarairidzi.

Murongi wemabasa musangano reNational Association of School Development Associations and Committees VaBanny Manokore vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro sezvo vamwe varairidzi vari kuuya vamwe vasirei kuenda.

Asi gurukota rezvedzidzo, Ambassador Cain Mathema, vaudza Studio 7 kuti zvikoro zvavhurwa uye vana vaenda kuzvikoro vakaramba kuti havazvizivi kuti kune vasina kuenda kuzvikoro nekuda kwekusavapo kwevarairidzi.

Varairidzi vari kutsika madziro vachiti vanoda kutambiriswa mihoro yavo nemadhora ekuAmerica ukuwo hurumende yakaisa zvitanda munzeve.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG