Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakarwa Hondo Vanoti VaMutsvangwa Ngavadzingwe Musangano Ravo


VaChristopher Mutsvangwa
VaChristopher Mutsvangwa

Vaimbove varwi vehondo yerusununguko mudunhu reMashonaland West vanoti sachigaro weboka ravo VaChristopher Mutsvangwa vanofanirwa kumbomiswa basa.

Varwi vehondo yerusununguko ava vanoti vakabuda nechisumgo chekuti VaMutsvangwa vambomira kutungamirira boka ravo pamusangano wavakaitira paCooksey Hall muChinhoyi nezuro.

Sachigaro wevarwi verusununguko mudunhu iri VaCornelius Muoni vanoti vakatenderana kuti VaMutsvangwa vamiswe basa nechimbi chimbi.

Pavabvunzwa neStudio 7 kuti musangano wedunhu unokwanisa kudzinga VaMutsvangwa here, VaMuoni vati chisungo chavakaita ichi vachiendesa kubazi repamusoro rinomiririra nyika yose nhasi.

VaMuoni vanoti vane chivimbo chekuti chisungo chavo chichatambirwa nekuda kwezvikonzero zvakadzama zvavasina kuda kutaura.

Asi imwe nhengo yevaimbove murwi verusununguko isina kuda kudomwa nezita iyo yakapinda musangano wanezuro inoti VaMutsvangwa vari kupomerwa mhosva dzakawanda dzinosanganisira kusaremekedza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatevedzeri vavo, kusavimbika pamwe nekukonzeresa kusawirirana muboka ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muChinhoyi, VaJohn Marava, vanoti kuda kudzingwa kwaVaMutsvangwa mucherechedzo wekuti vaimbove varwi verusununguko havadzidze pane kunetsana kwavaiita nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMarava vanoti vanhu havafanirwe kudzivirira kushoropodzwa kwemutungamiri wenyika sezvinoitwa naVaMutsvangwa. VaMutsvangwa vanoti vakamirira tsamba vasati vataura nezvenyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG